この商品を友人に教える:
Ngatidetembanei Mutsumo MR Michael M Chipangura Snr
遠隔倉庫からの取り寄せ
クリスマスプレゼントは1月31日まで返品可能です
Ngatidetembanei Mutsumo
MR Michael M Chipangura Snr
Ngatidetembanei muTsumo ibhuku renhetembo dzakaumbwa kuburikidza nekubatanidzwa kwetsumo dzakasiyana-siyana. Vakuru vedu vakare vaive neuchenjeri hwekutaura nezveupenyu zvinosanganisira mhuri, rudzi, rufu, kuzvarwa, kugarisana kwakanaka nezvimwe zvakadaro. Nazvino uno uchenjeri hwekutaura uku inhaka yedu. Kureva iko kuti chose cheupenyu, magariro nemararamiro edu chinoperekedzwa nemazwi kana zvirevo zvine hungwaru hwakadzama. Tsumo inhaka yemutauro watakasiirwa hwatakachengetedza uye hwatiri kuramba tichichengetedza kubudikidza mukutaura, muzvinyorwa nemudzidzo. Tsumo kutaura kwevakuru kana kuti chirevo chakataurwa kare-kare nevakuru senzira yekudzidzisa, kuyambira kana kusimbisana nezveupenyu. Ngatidetembanei muTsumo ibhuku ranhasi rakanyorwa neunyanzvi hwekuchengera nekuchengetedza mutauro weTsumo. Bhuku rino, idura kana kuti pfimbi yeTsumo dzakanyorwa asi dzichipakurwa senhetembo. Achishandisa zvidopi zvekudetemba, Nyanduri anobuditsa zvakare idzo tsumo dzakare nedzemazuva ano achidzivhenganisa. Izvi zvinoratidza kuti mutauro wedu unoita uchikura nekutishandukei pamusaka pekushanduka kuri kuita upenyu asi huchiramba hwakazembera padzinde retsika nemagariro edu vaTema. Kurasika kwemutauro ndiko kurasika kwegwara retsika nemagariro. Ngatidetembanei muTsumo ibhuku rinopa ruzivo rwezvemutauro wedu wakapfuma kuvakuru nevadiki nenzira inodzidzisa kuzipa uye rinopa chidokwa-dokwa chekuchengetedza rurimi rwaamai.
| メディア | 書籍 Paperback Book (ソフトカバーで背表紙を接着した本) |
| リリース済み | 2016年4月18日 |
| ISBN13 | 9781523805914 |
| 出版社 | Createspace Independent Publishing Platf |
| ページ数 | 42 |
| 寸法 | 152 × 229 × 2 mm · 68 g |
| 言語 | Shona |